Sign In Sign-Up
Kunyora Shona Rondedzero PaA' Level

Advanced Level Shona Rondedzero

January 1, 2002

1. TSAMBA YEZVEBASA Ine chekuita nezvemumabasa. Mutauro hauna kureruka, nokuti havasi vazivani. Hamuzivani, nokudaro unowonekana navo nemazita ako ose, rekutanga neremhuri. Zuva ranyorwa tsamba ngarive zuva raunenge wanyora Bvunzo yako. Zuva racho ngarive rakazara. Kero yako ngaive yepachikoro chaunodzidza, kwete yekumba. Chinangwa/Donzvo rinonyorwa mundima yokutanga yetsamba yako. Usaisa Donzvo rakamira roga. Pakero yepiri tanga nemunhu achatambira tsamba yacho wawanzi unyorere. Apa usataknga nokuti Ku------- Pedza nekuti: Wenyu Akatendeka / Wenyu Akavimbika bedzi apa. Pamhendero yetsamba yezvebasa, nyora masoko ekariro yako yekuti zvawataura mutsamba yako zvichazadziswa kana kutevedzwa. Usafarisa kana kushuwira rombo rakanaka kumunhu wawanyorera wacho. Ndezvebasa, hapanyorwi zvehupenyu. ****Buritsa pfungwa gumi nembiri kana kupfuura nguva dzose Tsamba irondedzero, nokudaro, inonyorwa iine hurefu hwerondedzero dzimwe dzose. Mashizha angasvika mashanu (4 kusvika 5 mapeji) Ine kero mbiri dzinonyorwa sezvichataridzwa. Munoburitswa pfungwa dzinozadzisa zvanzi zviburitswe zvacho. Ona kuti waburitsa pfungwa dzinodarika sere (8). Pfungwa gumi nembiri dzakapinda kunaka apa. Pfungwa yoga yoga inonyorwa mundima yayo. Usaisa pfungwa dzinodarika imwe chete mundima imwe chete. Ndima zvinoreva pfungwa imwe chete. Ndima dzako ngadzisarebesa. Ndima ine mitsara minomwe ndinoiona yakanaka, uye yakakwana pakuburitsa zvinoda kuburitswa zvacho nenzira yakaperera. Nyora basa rakachena, rakanyorwa neChiShona chakanaka. Ndima dzako ngadzitange zvakasiyana-siyana. Buritsa pfungwa pekutanga pendima yoga yoga zvichienderana nezvinodiwa... [More]

Tags: 91451, a level shona, chishona, rondedzero, shona


Posted at: 01:00 AM | 0 Comments | Add Comment | Permalink RSS

Posts by Date

Recent Posts

Archives